Nzira Itsva Yekurarama Nayo
Une kusagutsikana nehupenyu hwako here? Kana zviri saizvozvo, hausiri woga. Vanhu vazhinji vaneta, varukutika, vapererwa uyezve havasikugutsikana. Vamwe vakaedza kuita chinamato vachitsvaga mhinduro pane zvinovanetsa vopedzisira vatozviremedza nemirairo isina hupenyu, isina maturo yavaisatokwanisa ku-chengeta. Kana wakaedza chinamato hazvirevi kuti waedza kupa Mwari mukana wekuti vapindire muupenyu hwako hwakashama, uzere nokushungurudzika nekuzvipomera mhosva.